Sei sulla pagina 1di 8

ZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCIL

General Certificate of Education Advanced Level

SHONA 6054/2
PAPER 2: Dudziramutauro, Misambo nePfupiso

SPECIMEN PAPER 3 hours

Additional materials:
Answer paper

NGUVA: Maawa matatu

RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO

Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.

Nyora zita rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako yawakapiwa somunyori
papepa roga roga remhinduro rawashandisa.

Pindura mibvunzo neChiShona.

Pindura mibvunzo miviri kubva muChikamu A, miviri kubva muChikamu B nekupindura


mubvunzo wemuChikamu C.
Cherechedza mirayiro iri pamubvunzo woga woga.
Ukashandisa mapepa anodarika rimwe, asunganidze pamwechete.

ZIVISO KUVANYORI VEBVUNZO

Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi ( ) pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye izvi [ ]


panoperera mubvunzo woga woga.

Bvunzo ino yakanyorerwa pamapeji manomwe nerimwe chete risina kunyorwa chinhu.
Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, Specimen Paper.

ZIMSEC SPECIMEN PAPER [Enda kuseri


2

CHIKAMU A: MAUMBIRWO EMUTAURO [40]


Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.

1 (a) Patsanura mazitaumbiridzwa anotevera uchiratidza chivakashure nedzitsiumbiridzwa


pazita roga roga.

(i) Nhangemutange

(ii) Mutsikapatinhira

(iii) Dendemafuta

(iv) Sekeranzira

(v) Chitachamutambwi

(vi) Jengetavacheche

(vii) Goredema

(viii) Matakurahata

(ix) Nhimburamafeso

(x) chindindindi (10)

(b) Nyora mhando shanu dzemazitaumbiridzwa dzaunoziva uchipa mienzaniso


yakakodzera pamhando yega yega. (10)
[20]
2 Verenga zvirevo zvinotevera ugopindura mibvunzo inotevera.

(i) Vakadzi vangani vauya?

(ii) Chikomana chaenda nebhazi.

(iii) Paakangoti pindei vanhu vose vakachema.

(iv) Akabata gonhi remota ikabva yarira.

(v) Varume vakanaka vanodada.

(vi) Dzimwe nyimo dzaibva kwazvo.

(vii) Ukaridza mhururu unowana chekudya.

(viii) Kuchema kwake kunosiririsa chaizvo.

(ix) Vamwe vakomana vabayiwa nematsotsi.

(x) Uchabatanidzirwa muchimurenga chesadza.

6054/2 SPECIMEN PAPER


3

(a) Nyurura ndevo dzezvizita dzose dziri muzvirevo izvi ugodzinyora uchitaridza
nhengo huru dzakadziumba. (10)

(b) Uchishandisa mienzaniso yakakodzera taridza mhando dzendevo dzezvizita


dzinowanikwa mumutauro weChiShona. (10)

[20]

3. Verenga zvirevo izvi ugopindura mibvunzo iri mushure mazvo.

(i) Vana vakaona varume vairwa netsvimbo.

(ii) Mwari ropafadzai zvinhu zvangu izvi muzvichenese zvese.

(iii) Tinofa nezvirwere zvakasiyana – siyana.

(iv) Ndarota ndichiyamwa.

(v) Amai vakarovera mwana mari.

(vi) Chioniso akafamba – famba munhanga.

(vii) Tete vakagudubudza hari dzambuya dzose.

(viii) Famba murugare rwaVadzimu.

(a) Nyora ndevo dzezviito dzose dziri muzvirevo izvi. (10)

(b) Ratidza nhengo huru dzinoumba ndevo dzezviito dzawawana mu(a). (10)
[20]

4. Donongodza nhurikidzwa yenyaudzosingwi uchitsigira zvizere. [20]

6054/2 SPECIMEN PAPER


[Enda kuseri
4

CHIKAMU B: MISAMBO

Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.

5. Tsanangura tsika yekubata maoko uye kuti yakakosherei muvatema [20]

6. (a) Tsanangura tsika yekupururudza mwenga muupenyu hwanhasi (15)

(b) Tsika iyi yakanakirei sokuona kwako? (5)


[20]

7. (a) Ongorora hunhu hunoshoreka hunoitwa navanhu vasina tsika pakutaura


kana kushandisa nhare dzepabasa. (10)

(b) Ndaapi mashandisirwo akanaka enhare dzepabasa anoratidza hunhu


hwakanaka? (10)
[20]

8. Sahwira kana chisahwira chakakosha chaizvo mutsika nemagariro evaShona.


Donongodza zvizere pfungwa iyi uchiburitsa zvizere kukosha kwasahwira. [20]

6054/2 SPECIMEN PAPER


5
CHIKAMU C: PFUPISO

9. Verenga detembo rinotevera ugonyora pfupiso yaro nemazwi ako pachako anosvika
zana.

Vharavhazhu zvikati zvamutsana nebimha.


“Musangodema! Machena! Chiroorwa! Nyama iyo !”
Ndakatupfunura imbwa dzofemha – femha segwavava rebani;
Ndokubva dzati dzose tote nedzavamwe;
Kakuruva kegova kakakwira sechamupupuri.
Takaona imbwa dzodzoka zvino dzofemereka.
Ndakatarisa kumiromo ndichitsvaga turopa.
Babawe Tsiwo ! Inga nyama yaenda !
Beremauro ndoopaakaudyura maziso akandiyeva.
Ndakabva ndakurumidza kuzviziva.
Takakanganwa kukumbira varidzi vesango.
Sango rinoera, vhima wapiwa mvumo.

Takatsvaga muhacha tongomhanya-mhanya;


Ndokugumira fodya muzanhi rimwe chete;
Takachonjomara tichiridza nhondo dzapasi.
Ndoopandakatangisa kukumbira varidzi vesango;
“Hevo, VaHayi varidzi vesango;
Bikiro renyu iro, changamire.
Tapedzwa nenhomba sango rinoshura.
Titsaurireiwo nyama nyoro;
Kwete zvikara, mhanduwe.”
Ndokukwanyanuka, narwo rugwagwa zvakare.
Simba rangu rakabva rati nyekete nomuviri
Kunge murume achangovhutira mvuto.

Kunge zvinei mhembwe vharavhazhu muchuru !


“Garira neko !” Ndakanzwa Kanyuchi ozhamba.
Ndakasimudza pfumo, heino yananga pandiri;
Ndokubva ndariti zutu; svikei nomumutsipa rutye !
Yakaumburuka naro, kakuruva pwititi !
Imbwa dzomomotera, ini ndokusvetuka-svetuka;
“Hekani waro, waereka, Goramukoko !
Ndoshura Ngwena Gandapfumo !
Mhofu yomukono! Muvaruri worugwagwa!
Mutangakubaya asingapotsi !”
Ndakazvitutumadza somukono webveni;
Kanyuchi naBeremauro raabasa basa kukatanura imbwa.
Takasiya taipaika pamuti womutara;
Tava narwozve rugwagwa, tadenha sango;
Tabva mumhundwa; tava mumhendero yebani.

6054/2 SPECIMEN PAPER


[Enda kuseri
6
Kuvhima kukwasha kutsvaga nyama musango,
Mhuka iri yose yesango inyama kumuvhimi.
Vakomana ndaive shasha yesango dema
Ndatora mushonga wokubikira imbwa;
Kuti dzive nouturu hwokuronda hwema.
Zvombo zvangu ndagara ndasunga kare.
Tsvimbo, hwanda, katemo, pfumo, bakatwa, zinhava;
Zvose zvarongwa nomuchenjeri worugwezhwa;
Vadzimai vamuka rungwanangwana;
Hevo vobika kasadza nomutetenerwa;
Vokuya fodya, nokuiisa muchibako.
Muchembere wemba yangu zvose zvarongwa.

Zvino ndamisa dundundu sekashiri ketimba,


Ndopfugama kurukuva ndichiuchira;
“Hevo vasekuru, makanga muri vavhimiwo,
Ndondotsvagawo kanonhuhwa sango changamire.
Munditsaurirewo tunomhanya namadzinza
Sezvo makatirera notukaranga twesango.
Mupire kuna baba wenyu, mupire vari mberiwo.”
Ndakabuda mumba ndazarirwa neshungu
Sagurwemombe anochema akaringa pasi.
Musangodema ! Machena ! Chiroorwa ! Tadzawega !
Pakare pakare imbwa dzangu dzakandikomba;
Mikono yesango, hedzo dzodonha rute !

Ndakasvika masikati kugura kwaVaHayi;


Sango dema raive nezvigwenzi zvemipfuti;
Kwakanga kwakati tonho sehova yenzuzu;
Imbwa dzichikwiruka-kwiruka – idendera raichema.
Ndakawana vamwe vakandigarira;
Kanyuchi, Zimuto, Beremauro, nembwa dzavo.
Takatema musasa, zuva rikadoka ndokurara;
Hewo mashambanzou, zvombo zvabatiranwa;
Rwabva rwave rugwagwa tumheterwa twongorira,
“Nhasi vakomana kumakwishu,” akadzvova Zimuto.
Hona Machena yobvunda zvino, baba iwe !
Muhwema tote, mberi kwanhuhwa mhuka.

Zvikati zvamutsana naTozivei imbwa yaZimuto;


Isu ndokutupfunura dzedu, houno mukono webimha.
Rotanga kusuka rongo, rokwiruka nesango,
Imbwa dzakakwamirana naro.
Zvakaenda zvose tikashaya kuti zvasvitsana kupi.
Nechinguva chishoma hero radzoka nokwatiri zvakare.
Ndopakanzi naBeremauro, “Rapupa furo, vakomana !”
Tsvimbo heyo mikandidzanwa.
Hapana akariereka.

6054/2 SPECIMEN PAPER


7
Bimha rakaramba rotambanuka nesango;
Imbwa dzichihukurira munyasi dzarisona.
Takanhonga tsvimbo, nako kusvetuka makwenzi.
Herino zvino rapinzwa mudziva.
Rikanzi kwicho nembwa ! Zvese torododo mumvura !
Imbwa uko dzumbunu, bimha nokoko dzumbunu !
Zvino wangova mukoo wembwa pachidzivapo.
Ndiani angapinde vakomana? Ndakatyira kure.
Kanyuchi kuzviti tu-u mumwoyo, akati unonyepa !
Pfumo rake zu; nomubandauko mebimha puvu;
Zvese nepfumo nyanyanya pasi; dzumbunu zvakare.
Kufa kwomukono kubuda matumbu.

Bimha riye rongoti pidigu, ishe iwe.


Ndichangoti, “Kanyuchi nhasi wandikatyamadza,”
Beremauro ndokubva ati bvuva mudziva;
Hoyo pagumbo romushure ndutu,
Ndokuriti nehwanda mumusoro zhekete ! “Zvinzwe izvo !”
Musoro webimha wakazheka - zheka.
Hoyo orizvuva kumahombekombe edziva.
Takaritakura pamutengete toenda kumutara kuye;
Pamusasa takavhiya, tikagovana, tikasasika nyama yedu.
Svikei kumusha ndakachingurwa nakamupururu,
“Titambirei vahombarume, hekani Gushungo;
Vachiorera musoro weshwa, vari Chipata, vari Makute.” [20]

(Yakanyorwa naMandishona kubva mubhuku, Nhetembo 1972 Mambo press pp13-15)

6054/2 SPECIMEN PAPER


8

BLANK PAGE

6054/2 SPECIMEN PAPER

Potrebbero piacerti anche